English Version Icon

Mazano maererano nokurima chibage

Ruzivo runodiwa pakurima Usati watanga kurima kune zvinoda kungozivikanwa pamusoro pekurima Kurima ibhizimusi. Kurima kunofanira kukupa mari. Mari yamunotengesa zvinoshandisa pakurima sembeu, fotereza, mishonga, magetsi, mvura nekubhadhara vashandi nezvimwewo haifaniri kudarika mari yamunowana kana matengesa zvirimwa zvenyu pamwe nezvipfuwo. Munorima kuti muwane gohwo rakakura nemutengo wakaderera. Kurima kunofanira kuitwa gore rese kwete mwedzi mishanu chete. …